Mapisarema 119:146-154 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

146. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.

147. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

148. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.

149. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.

150. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu.

151. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.

152. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.Reshi

153. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.

154. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu.

Mapisarema 119