Mapisarema 119:144-151 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

144. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.Kofi

145. Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu.

146. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.

147. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

148. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.

149. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.

150. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu.

151. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.

Mapisarema 119