Mapisarema 119:139-153 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

139. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.

140. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida.

141. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu.

142. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.

143. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu.

144. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.Kofi

145. Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu.

146. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema.

147. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

148. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.

149. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu.

150. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu.

151. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi.

152. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi.Reshi

153. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu.

Mapisarema 119