Mapisarema 119:132-142 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

132. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.

133. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga.

134. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu.

135. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.

136. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.Tsadhe

137. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama.

138. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo.

139. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu.

140. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida.

141. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu.

142. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi.

Mapisarema 119