128. uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Pe
129. Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera.
130. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.
131. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu.
132. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu.
133. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga.
134. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu.
135. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.
136. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa.Tsadhe
137. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama.
138. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo.