Mapisarema 119:105-124 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

105. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.

106. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.

107. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.

108. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.

109. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.

110. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.

111. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.

112. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.Sameki

113. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.

114. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

115. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!

116. Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa.

117. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu.

118. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo.

119. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema.

120. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu.Ayini

121. Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu.

122. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira.

123. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama.

124. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu.

Mapisarema 119