Mapisarema 119:104-117 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

104. Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Nuni

105. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.

106. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.

107. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.

108. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.

109. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.

110. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.

111. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.

112. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo.Sameki

113. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu.

114. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

115. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu!

116. Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa.

117. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu.

Mapisarema 119