Mapisarema 119:103-111 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

103. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu!

104. Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.Nuni

105. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu.

106. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama.

107. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu.

108. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu.

109. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu.

110. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu.

111. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu.

Mapisarema 119