1. Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha.
2. Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.
3. Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake.
4. Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa.
5. Haiwa, dai nzira dzangu dzakasimba pakuteerera zvirevo zvenyu!
6. Ipapo handaizonyadziswa pandinorangarira mirayiro yenyu.