Mapisarema 119:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa, vanofamba mumurayiro waJehovha.

2. Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema, vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.

3. Havaiti chinhu chakaipa; vanofamba munzira yake.

4. Imi makaisa zvirevo zvinofanira kuteererwa.

Mapisarema 119