9. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.
10. Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.
11. Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.
12. Vakandimomotera senyuchi, asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva, ndakavaparadza muzita raJehovha.
13. Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira.
14. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu.
15. Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!
16. Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”
17. Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.
18. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.
19. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.
20. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.
21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.
22. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;
23. Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu.
24. Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.
25. Haiwa Jehovha, tiponesei; haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.
26. Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha. Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.