Mapisarema 118:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.

9. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.

10. Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

11. Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

Mapisarema 118