Mapisarema 118:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura.

6. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko?

7. Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.

9. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.

10. Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

Mapisarema 118