Mapisarema 118:20-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.

21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.

22. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;

23. Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu.

24. Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.

Mapisarema 118