15. Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!
16. Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”
17. Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.
18. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.
19. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.
20. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.
21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.
22. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;
23. Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu.
24. Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.