Mapisarema 118:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira.

14. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu.

15. Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!

16. Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”

17. Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.

18. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.

19. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.

20. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.

21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.

22. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;

23. Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu.

Mapisarema 118