11. Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.
12. Vakandimomotera senyuchi, asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva, ndakavaparadza muzita raJehovha.
13. Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira.
14. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu.
15. Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!
16. Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”
17. Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.
18. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.
19. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.
20. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.
21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.