Mapisarema 118:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2. Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

3. Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

4. Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

5. Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura.

6. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko?

7. Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.

9. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.

Mapisarema 118