Mapisarema 116:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,

9. kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.

10. Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”

11. Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”

12. Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?

13. Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.

Mapisarema 116