8. Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,
9. kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.
10. Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”
11. Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”
12. Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?
13. Ndichasimudza mukombe woruponeso ndigodana kuzita raJehovha.