1. Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu; akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.
2. Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.
3. Misungo yorufu yakandipinganidza, kurwadza kweguva kwakauya pamusoro pangu; ndakakundwa nenhamo nokusuwa.
4. Ipapo ndakadana kuzita raJehovha ndikati, “Haiwa Jehovha, ndiponesei!”
5. Jehovha ane nyasha uye akarurama; Mwari wedu azere netsitsi.
6. Jehovha anodzivirira vakatendeka pamwoyo; pandakanga ndiri pakushayiwa kukuru, iye akandiponesa.
7. Haiwa mweya wangu, chizorora zvakare, nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
8. Nokuti imi, iyemi Jehovha, makarwira mweya wangu parufu, meso angu pamisodzi, uye makumbo angu pakugumburwa,
9. kuti ndifambe pamberi paJehovha munyika yavapenyu.
10. Ndakatenda; naizvozvo ndakati, “Ndiri kutambudzika kwazvo.”
11. Uye pakuvhunduka kwangu ndakati, “Vanhu vose vanoreva nhema.”
12. Ndingaripira seiko Jehovha pamusoro pokunaka kwake kwose kwandiri?