Mapisarema 115:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Jehovha ngaakuwanzei, mose iwe navana vako.

15. Jehovha ngaakuropafadze, iye muiti wedenga napasi.

16. Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha, asi nyika akaipa kuvanhu.

17. Vakafa havazivo vanorumbidza Jehovha, avo vanoburukira kwakanyarara;

18. asi tisu tinokudza Jehovha, kubva zvino kusvikira narini. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema 115