Mapisarema 115:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri, asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu, nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.

2. Sei ndudzi dzichiti, “Mwari wavo aripiko?”

3. Mwari wedu ari kudenga; anoita zvose zvinomufadza.

Mapisarema 115