Mapisarema 114:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Gungwa rakazviona rikatiza, Jorodhani rwakadzokera shure;

4. makomo akakwakuka samakondohwe, zvikomo samakwayana.

5. Haiwa gungwa, wakatizeiko, iwe Jorodhani zvawakadzokera shure,

6. imi makomo zvamakakwakuka samakondohwe, nemi zvikomo, samakwayana?

7. Dedera, iwe nyika pamberi paShe, pamberi paMwari waJakobho,

8. akashandura dombo rikava dziva, dombo rakaoma rikava matsime emvura.

Mapisarema 114