1. Israeri akati abuda muIjipiti, imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe,
2. Judha akava imba tsvene yaMwari, Israeri ushe hwake.
3. Gungwa rakazviona rikatiza, Jorodhani rwakadzokera shure;
4. makomo akakwakuka samakondohwe, zvikomo samakwayana.
5. Haiwa gungwa, wakatizeiko, iwe Jorodhani zvawakadzokera shure,
6. imi makomo zvamakakwakuka samakondohwe, nemi zvikomo, samakwayana?