Mapisarema 114:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Israeri akati abuda muIjipiti, imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe,

2. Judha akava imba tsvene yaMwari, Israeri ushe hwake.

3. Gungwa rakazviona rikatiza, Jorodhani rwakadzokera shure;

4. makomo akakwakuka samakondohwe, zvikomo samakwayana.

5. Haiwa gungwa, wakatizeiko, iwe Jorodhani zvawakadzokera shure,

6. imi makomo zvamakakwakuka samakondohwe, nemi zvikomo, samakwayana?

Mapisarema 114