Mapisarema 112:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.

6. Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.

7. Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.

8. Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu; pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.

9. Akaparadzira kure zvipo zvake kuvarombo, kururama kwake kunogara nokusingaperi; runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa.

10. Akaipa achazviona uye acharwadziwa, acharumanya meno ake uye achaonda; kushuva kwowakaipa kuchava pasina.

Mapisarema 112