Mapisarema 111:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.

7. Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika.

8. Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama.

9. Anopa dzikinuro kuvanhu vake; akarayira sungano yake nokusingaperi.

10. Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

Mapisarema 111