Mapisarema 111:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni.

5. Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi.

6. Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.

7. Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika.

8. Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama.

9. Anopa dzikinuro kuvanhu vake; akarayira sungano yake nokusingaperi.

Mapisarema 111