Mapisarema 109:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi.

10. Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.

11. Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.

12. Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake.

13. Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera.

Mapisarema 109