5. Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu.
6. Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye; mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.
7. Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva, uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.
8. Mazuva ake ngaave mashoma; mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.
9. Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi.
10. Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.
11. Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.
12. Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake.
13. Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera.
14. Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha; chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.
15. Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha, kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.
16. Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka, asi akavhima varombo kusvika parufu, vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.
17. Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake; iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.
18. Aifuka kutuka senguo yake; zvakapinda mumuviri wake semvura, nomumapfupa ake samafuta.
19. Ngazvive sejasi rakamonerwa paari, sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.
20. Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu, kuna avo vanotakura zvakaipa pamusoro pangu.