Mapisarema 107:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.

32. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.

33. Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota,

34. uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo.

Mapisarema 107