Mapisarema 107:22-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

23. Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.

24. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika.

25. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu.

26. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.

27. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pamagumo amano avo.

28. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo.

Mapisarema 107