Mapisarema 107:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi,

3. avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi.

4. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta rwavangagara.

Mapisarema 107