Mapisarema 106:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona.

12. Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza.

13. Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake.

14. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.

15. Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma mweya wokuonda pamusoro pavo.

Mapisarema 106