Mapisarema 105:40-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.

41. Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi.

42. Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake.

43. Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro;

44. akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe,

45. kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.

Mapisarema 105