Mapisarema 105:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare.

4. Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.

5. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva,

6. imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.

7. Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose.

8. Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kumarudzi ane chiuru,

Mapisarema 105