Mapisarema 105:29-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife.

30. Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo.

31. Iye akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose.

32. Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose;

33. akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo.

34. Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki;

Mapisarema 105