27. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
28. Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.
29. Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.
30. Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.
31. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake,
32. iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi.
33. Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
34. Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha.
35. Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidzai Jehovha.