Mapisarema 104:23-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.

24. Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.

25. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhamha, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.

26. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.

27. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.

28. Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.

29. Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.

Mapisarema 104