Mapisarema 104:21-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.

22. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.

23. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.

24. Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.

25. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhamha, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.

26. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.

27. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.

28. Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.

29. Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.

30. Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.

31. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake,

32. iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi.

33. Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

34. Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha.

Mapisarema 104