20. kuti anzwe kugomera kwavasungwa agosunungura avo vakatongerwa rufu.”
21. Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni, nokurumbidzwa kwake muJerusarema,
22. panoungana marudzi noushe kuti vanamate Jehovha.
23. Panguva youpenyu hwangu akatapudza simba rangu; akapfupisa mazuva angu.
24. Saka ndakati, “Regai kundibvisa, imi Mwari wangu, pakati pamazuva angu; makore enyu anoramba aripo kusvikira kumarudzi namarudzi.
25. Pamavambo makateya nheyo dzenyika, uye kudenga denga ndiro basa ramaoko enyu.
26. Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo; zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa.
27. Asi imi mucharamba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.
28. Vana vavaranda venyu vachagara pamberi penyu; zvizvarwa zvavo zvichasimbiswa pamberi penyu.”