12. Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi; mukurumbira wenyu uripo kusvikira kumarudzi namarudzi.
13. Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi, nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha; nguva yakatarwa yasvika.
14. Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu; guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.
15. Ndudzi dzichatya zita raJehovha, madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu.
16. Nokuti Jehovha achavakazve Zioni, agozviratidza pakubwinya kwake.
17. Achadavira minyengetero yavanotambura; haangazvidzi chikumbiro chavo.
18. Izvi ngazvinyorerwe marudzi amangwana, kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti,
19. “Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira, ari kudenga akacherechedza pasi,
20. kuti anzwe kugomera kwavasungwa agosunungura avo vakatongerwa rufu.”
21. Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni, nokurumbidzwa kwake muJerusarema,
22. panoungana marudzi noushe kuti vanamate Jehovha.
23. Panguva youpenyu hwangu akatapudza simba rangu; akapfupisa mazuva angu.
24. Saka ndakati, “Regai kundibvisa, imi Mwari wangu, pakati pamazuva angu; makore enyu anoramba aripo kusvikira kumarudzi namarudzi.
25. Pamavambo makateya nheyo dzenyika, uye kudenga denga ndiro basa ramaoko enyu.
26. Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo; zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa.
27. Asi imi mucharamba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.