Mapisarema 102:11-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana; ndinosvava souswa.

12. Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi; mukurumbira wenyu uripo kusvikira kumarudzi namarudzi.

13. Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi, nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha; nguva yakatarwa yasvika.

14. Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu; guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.

15. Ndudzi dzichatya zita raJehovha, madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu.

16. Nokuti Jehovha achavakazve Zioni, agozviratidza pakubwinya kwake.

17. Achadavira minyengetero yavanotambura; haangazvidzi chikumbiro chavo.

18. Izvi ngazvinyorerwe marudzi amangwana, kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti,

19. “Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira, ari kudenga akacherechedza pasi,

Mapisarema 102