3. Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatiita, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
4. Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake.
5. Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kumarudzi namarudzi.