Mapisarema 10:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?

2. Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake.

3. Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.

Mapisarema 10