Mapisarema 1:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

4. Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.

5. Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama.

6. Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Mapisarema 1