Mako 7:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka.

20. Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa.

21. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve,

22. ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.

Mako 7