Mako 6:49-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

49. asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzimudzangara. Vakadanidzira,

50. nokuti vose vakamuona uye vakatya.Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.”

51. Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru,

52. nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.

Mako 6