Mako 5:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Saka Jesu akaenda naye.Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.

25. Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.

26. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.

27. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,

Mako 5