Mako 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha.

2. Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari.

3. Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana.

4. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo.

5. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.”

6. Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vachifunga mumwoyo yavo, vachiti,

7. “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?”

Mako 2