Mako 2:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha.

2. Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari.

Mako 2